Acts 17

Pauro naSirasi paTesaronika

1Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika, paiva nesinagoge reVaJudha; 2zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, uye kwemasabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro, 3achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumuka kubva kuvakafa, uye kuti: Uyu Jesu, ini wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu. 4Zvino vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru cheVaGiriki vaishumira, nekuvakadzi vaikudzwa vasiri vashoma. 5Asi VaJudha vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa dzaiva simbe dzepamusika, vakaita chaunga, vakamutsira guta bongozozo; vakawira imba yaJasoni, vachitsvaka kuvabudisira kuvanhu; 6asi vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatungamiriri veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakanyonganisa nyika, ivo vasvika panowo, 7avo Jasoni vaakagamuchira; uye ava vese vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari, vachiti umwe mambo ariko, anonzi Jesu. 8Uye vakanyonganisa chaunga nevatungamiriri veguta vachinzwa zvinhu izvi. 9Zvino vakati vatora rubatso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavaregedza.

Pauro naSirasi paBheriya

10Zvino pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi kuBheriya neusiku; vakati vachisvika vakabva vakaenda musinagoge reVaJudha. 11Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chese, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro. 12Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevevakadzi vaikudzwa veVaGiriki, nevevarume vasiri vashoma. 13Asi VaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriyawo, vakasvikapowo vakabvongodza zvaunga. 14Zvino nenguva iyoyo pakarepo hama dzakatuma Pauro seanoenda kugungwa; asi Sirasi naTimotio vakasarapo. 15Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa kuAtene; ndokuti vagamuchira kuraira kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidzise kuuya kwaari, vakabva vaenda.

Pauro paAtene

16Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakabvongonyodzeka maari, achiona guta rizere zvifananidzo. 17Naizvozvo wakapikisana neVaJudha musinagoge nevainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevanenge varipo. 18Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzeVaEpikuro nedzeVaStoiko dzakaita nharo naye. Vamwe ndokuti: Uyu mubvotomoki anoda kurevei? Asi vamwe vakati: Anenge muparidzi wevamwari vekumwe; nokuti neevhangeri wakavaparidzira Jesu nekumuka. 19Zvino vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here kuti dzidziso iyi itsva inotaurwa newe chii? 20Nokuti unouisa zvimwe zvinhu zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvinoda kuva zvii? 21Nokuti vese VaAtene nevatorwa vaigarapo vakashandisa nguva yavo kwete pane chimwe chinhu, asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva. 22Zvino Pauro amira pakati peAreopago, wakati: Varume VaAtene, pazvinhu zvese ndinoona kuti semune chitendero chikuru. 23Nokuti ndati ndichipfuura nekucherekedza zvinhu zvenyu zvamunonamata, ndawana aritariwo yakanyorwa kuti: KUNA MWARI ASINGAZIKANWI. Naizvozvo uyo wamunonamata musingazivi, ndiye ini wandinokuparidzirai. 24Mwari wakaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi, iye ari Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, 25uye haashumirwi nemaoko evanhu, seanoshaiwa chinhu, nokuti iye anopa vese upenyu nekufema nezvinhu zvese; 26uye wakaita kubva paropa rimwe marudzi ese evanhu, kuti agare pachiso chese chenyika, atara nguva dzakagara dzatemwa uye miganhu yeugaro hwavo; 27kuti vatsvake Ishe, zvimwe zvirokwazvo vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu. 28Nokuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwewo vanyanduri vekwenyu vakati: Nokuti tiri zvizvarwa zvakewo. 29Naizvozvo zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana negoridhe kana sirivheri kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana murangariro wemunhu. 30Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, ikozvino anoraira vanhu vese kwese-kwese kuti vatendeuke. 31Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza, akasimbisa kune vese, pakumumutsa kubva kuvakafa. 32Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakasveveredza, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi. 33Zvino nokudaro Pauro wakabuda pakati pavo. 34Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisiowo muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo.

Copyright information for Shona